MA PILES /KUBUDA MUSANA **

Mapiles anozivikanwawo sehermorrhoids, anogona kutsanangurwa sekuzvimba uye kuzvimba kwetsinga murectum uye anus. Kune mhando mbiri dzemapiles- emukati neyekunze.

Zviratidzo zvekuti une mapiles

~kurwadziwa murectum region
~bundu kumashure (a**s)
~kurwadziwa nekusagadzikana wapedza kuvhura ura
~kunyorova kumashure
~kunzwa kuti tsvina haisati nyatsobuda
~kuita tsvina ine ropa
~kuzvimba kumashure
~maziso kuita yero, nokuda kwekubuda ropa rakawanda
~kuremerwa pakuvhura uchiita tsvina
~kunzwa kupisa kumashure
~kuita mweya pose pose(farts)

ZVINOKONZERA KUBUDA MUSANA:
°kuzvimbirwa kwenguva refu

✅kuita manyoka
✅Kugara pachimbuzi kwenguva yakareba
✅ kusimudza zvinorema
✅Kushaikwa kwefiber mukudya
✅Kukuvara kwemusana
✅Kufutisa
✅Chimwe chikonzero chehemorrhoids kupera simba kweiyo connective tissue mu rectum ne anus kunoitika nezera izvi zvinoitika kune mizera yati kurei (40 years and above)
✅Mimba inogona kukonzera hemorrhoids nekuwedzera pressure mudumbu.
Inbox Administration

On Offer or WantedOn Offer